Masimba egumi: Exp

Masimba egumi: Exp

Bhatani re EXP rinoreva kuwanza ne 10\displaystyle 10 kusimba. Pa 5×103\displaystyle 5 \times 10^{3}, nyorai 5, dzvanyai exp, monyora 3. Zvino dzvanyai kugova. Mozonyora 4, dzvanyai exp, uye kuti simba rive remainasi dzvanyai purasi mainasi pakarepo, mozonyora 3. Dzvanyai zvakaenzana. Mhinduro ndi 1'250'000.. Zviratidzo zvidiki zviri pasikirini zvinoparadzanisa zviuru.

▶ Tarisai danho iri muvhidhiyo (16:41)